Shona Proverbs – A to Z

Welcome to the catalogue of Shona Proverbs! If we have missed any, please email your suggestions to zimacc263@gmail.com

  1. Aive madziva ava mazambuko/Aiva mazambuko ava madziva.
  2. Ateya mariva murutsva, haatyi kutsva magaro.
  3. Apunyaira haashayi misodzi.
  4. Chitsva Chiri murutsoka.
  5. Chara chimwe hachitswanye inda.
  6. Chabhenda Chabhenda mbambaira haina joini.
  7. Chinokura chinokotama.
  8. Chakachenjedza ndichochakatanga.
  9. Chaitemura chava kuseva.
  10. Chisingaperi Chinoshura.
  11. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba.
  12. Chisi chako masimba mashoma.
  13. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara.
  14. Chakafukidza dzimba matenga.
  15. Chinono chinengwe, bere rakadya richifamba.
  16. Chisingaperi chinoshura.
  17. Chembere masikati, usiku imvana.
  18. Chawawana batisisa, mudzimu haupi kaviri.
  19. Chawawana idya nehama, mutorwa ane hanganwa.
  20. Chembere mukadzi, hazviyenzani nekurara pabonde.
  21. Chirere chigokurerawo.
  22. Chinobhururuka chinomhara.
  23. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara.
  24. Dindingwe rinonakidzwa richakweva rimwe, kana rokwevewa roti mavara angu ozara ivhu.
  25. Dai ndakaziva haitungamirire.
  26. Gudo guru peta muswe vadiki vakutye.
  27. Gone ana gonewakewo.
  28. Itsitsi dzei tsvimborume kubvisa chana chemvana madzihwa.
  29. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo.
  30. Kure kwegava ndokusina mutsubvu.
  31. Kugocha kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto.
  32. Kana chingoma choririsa, choda kutsemuka.
  33. Kukwira gomo hupoterera.
  34. Kutaurirwa hunyimwa sembare dzokumusana.
  35. Kubata mwana wengwe senga pfuti.
  36. Kudada kwevarimugomo kukumbira vari pasi mapfihwa.
  37. Kare haagari ari kare.
  38. Kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru.
  39. Kudada kweabaya kuti chiropa hachiseveswi sadza.
  40. Kandiro kanoenda kunobva kamwe.
  41. Kure kwemeso nzeve dzinonzwa.
  42. Kakara kununa kudya kamwe.
  43. Kubvunza chatikwatara, hunge une katurikwa.
  44. Kukurukura, hunge wapotswa.
  45. Kufa kwemurume kubuda ura.
  46. Kutsva kwendebvu, varume vanodzimurana.
  47. Manatsamukanwa harahwa kurota ichiyamwa.
  48. Mhembwe rudzi inozvara mwana anekazhumu.
  49. Mbeva zhinji hadzina marise.
  50. Mugoni wepwere ndeasinayo.
  51. Murombo haarovi chine nguwo.
  52. Mdudzi kudya mufenje hufanan’ina.
  53. Mbimbindoga akawira mumasese.
  54. Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo.
  55. Mviro mviro dzemhanza mapfeka.
  56. Mukuru mukuru hanga haigari pfunde.
  57. Matsotsi haagerani.
  58. Mandikurumidze akazvara mandinonoke.
  59. Moyo muti unomera paunoda.
  60. Mweni haapedzi dura.
  61. Mwana washe muranda kumwe.
  62. Mwana asingacheme anofira mumbereko.
  63. Mudzimu wakupa ronda wati nhunzi dzikudye.
  64. Natsa kwaunobva, kwaunoenda usiku.
  65. Nhamo inhamo amai havaroodzwi.
  66. Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.
  67. Nherera inoguta musi unofa mai.
  68. Nondo kugara mun’ombe, hanzi ndava n’ombewo.
  69. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo.
  70. Rinonyenga rinohwarara rinozo simudza musoro rawana.
  71. Regai zvipore akabva murutsva.
  72. Rugare tange nhamo.
  73. Rume rimwe harikombi churu.
  74. Seka Urema Wafa.
  75. Sango rinopa waneta.
  76. Svosve wakatuma nzou.
  77. Tamba tamba chimwango muswe ndakabata.
  78. Uswa hwenyati,ndihwo uri mudumbu, uri pamuromo, inofa nahwo.
  79. Ukama igasva hunozadzikiswa nekudya.
  80. Wakanga nyimo wavangarara.
  81. Yadeuka yadeuka mvura yeguchu haijorerwe.
  82. Zino irema rinosekerera newarisingadi.
  83. Zanondega akaonekwa nembonje pahuma.
  84. Zviro zviyedzwa, chembere yekwaChivi yakabika mabwe ikanwa muto.
  85. Zingizi gonyera pamwe, maruva enyika haaperi.
  86. Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *